DOUBLE VEE COLLEGE
ZJC FORM SHONA PAPER
CHIKAMU 1
MASHANDISIRWO EMUTAURO. PINDURA MIBVUNZO YOSE MUCHIKAMU
CHINO.
1. Nyora zvakare zvirevo zvinotewera uchitsiva izwi rakatarwa mutsetse pasi nerimwe izwi rinoreva
zvakafanana naro . Sarudza zvishanu chete.
Muenzaniso: VaTapera varikutengesa ngavi yavo
Mhinduro: VaTapera varikutengesa dhonza ravo
a) VaSibanda vakarumwa negarwe pawaiyambuka rwizi
b) Mwana uya achema paaona datya
c) Mbuya vake vanogona kubika doro chaizvo
d) Vise raakandipa rainaka zvikuru
e) Baba vake vakarovera kudhorobha reBulawayo
f) Amai vake vakamutengere hembe dzakanaka kuHarare
g) Davido akatumwa kunotenga nariti yokusonesa nguvo yaambuya vake [5]
2. UMBA TSUMO NEMAZWI ANOTEVERA SARUDZA SHANU CHETE
Muenzaniso: hanga
Mhinduro:mukuru mukuru hanga haigare pfunde
a)chando
b) dzvinyu
c) badza
d) muroyi
e) chembere
f) bvupa
g) mbabvu [5]
3. Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi.
Mbavha yakaramba yakati tsikitsiki musoro pasi vanhu vachiizvindikita neshamhu. Ropa rakati tsa-a
kubuda nepagotsi payo. Vanhu vakati vhundukei nazvo ndokuti ware vachitiza. Mota yemapurisa
yakasvikoti tsvii, ipapo mbavha ndokut maziso boi boi . Mumwe mupurisa akasvikoi tibvura nezijombo
ikati tasa pasi . Akaiti kandei nepagonhi richingoti hwii zvaivhara nzeve
Nyurura nyaudzosingwi kubva muchindima ichi ugodziisa muzvikwata zvemhando dzenyaudzosingwi idzi
, ita izvi uchipa zita rechikwata choga choga [5]
Transforming Our Society Through Education
DOUBLE VEE COLLEGE
4. Ipa tsananguro dzemadimikira anotevera. Sarudza madimikira mashanu chete.
a) kumera zenze
b) kubayira zanhi
c) kuita bete rawira mukaka
d) kudya magaka mambishi
e) kuve zai regondo
f) kufambira dhongi rakaora
g) kuita hari yofanzirofa [5]
5. Nyatsoongorora mazita anotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi
tezvara rwendo changamire chisi guyu kuneta hwana huni
churu seri Kuda hukwe ruoko hwema gomana ziso
mberi mhiri chembere chanza umhutu Chipo kunyarara
rwizi
a) isa mazita ari mumupanda mumwe chete pawo ega,ita izvi kusvikira wapedza ese[8]
b) tsanangura nzira ina dzinoshandiswa mukuisa mazita mumupanda [4]
CHIKAMU 2
1. Nyora rondedzero nemumwe wemisoro iri pazasi . Rondendzero yako ngaive pakati pemazwi 300
ne400
a. Chakupa chironda chati nhunzi dzikudye.
b. Musi wandakapona nepaburi retsono
c. Kunaka kwedzidzo
d. Nyora tsamba kuvabereki vako uchivaudza zvaunoda kuzoita muzororo kana ivo vakubvumira kuzviita.
Transforming Our Society Through Education