BESTVIEW COLLEGE
END OF TERM EXAMS
FORM 1: SHONA PAPER 2
1) Sarudza nyaudzosingwi shanu chete pane dzakapiwa. Zvino chishandisa nyaudzosingwi
dzawasarudza kuumba zvirevo.
Rabu gwa rabada nyakata tashu
Bvu godi rororo [5]
2) Zadzisa zvirevo neenzaniso yakakodzera. Sarudza zvirevo zvishanu chete
Muenzaniso: Tarisai pakufamba ----- chairo
Mhinduro: Tarisai pakufamba idzvatsvatsva chairo
a) Mazino aChenai ------ chaiwo pakuchena
b) Takura ----- pakurwa
c) Moyo wake ----- chaiwo kuoma
d) ----- pakukara nyama [5]
3) Sarudza madimikira mashanu chete ugoburitsa zvaanoreva
Muenzaniso: Kudya magaka neminzwa yawo
Mhinduro: Kupopota zvikuru
a) Kurova guva
b) Kushaya mbereko
c) Kutsindira mwena unobuda ishwa
d) Kuseura gotsi
e) Kukanda tsoka
f) Kufambira dhongi rakaora
g) Kudzika midzi [5]
4) Zadzisa tsumo dzinotevera. Sarudza shanu chete.
a) Murombo haarove -----
b) Zano ndega -------
c) Ane ganda ------
d) ------ kukumbira mapfihwa vari pasi
e) Mhandu yemumnhu ------
f) Kugona mbavha -----
g) ------ amai havaroodzwi [5]
CHIKAMU II MAUMBIRWO OMUTAURO
5) Tsanangura basa remhando yezwi rega rega kubva pane anotevera
Zita
Chisazitasingwi
Chipauro
Chiratidzi
Chisanidzi
Chirevamwene
Chiverengo
Chirevauwandu
Chiitopauro
Chiito [10]
6) Gona ana gona wakewo. Iyi itsumo yakagara iriko kubva kare. Vakuru vedu
vakashandisa kutsanangura kuti shasha inogona kuwana imwe shasha inoikurirawo.
Ndiwo magariro saka vanhu vazhinji ngatigare tichiziva izvi muhana dzedu mazuva ose.
a) Zvirevamwene zviviri [2]
b) Zviito zviviri [2]
c) Zvipauro zvivir [2]
d) Chirevauwandu chimwe chete [2]
7) Doma zvisazitasingwi zvishanu zvaunoziva [5]
b) Shandisa zvisazitasingwi zvawadoma pamusoro muzvirevo zvako [5]