WATERFORD COLLEGE
SHONA PAPER 2
FORM 2 : 1hr 30 mins
Nov 2024
Pindura mibvunzo yese
1 . Nyora nyaudzosingwi inoenderana netsananguro yakapiwa pazasi. Sarudza shanu chete.
a) kurira kwebhero rebhasikoro
b) kutarisa uchiratidza kupererwa
c) kupfura kwemoto uchienda mudenga
d) kurambisisa kuita chinhu
e) kubhururka kweshiri dzakawanda
f) kupenya kunoita mheni
g) kubuda kunoita zuva mumakore richivhenekera zvakajeka
h) kusimuka kwemunhu achikururmidza.(5)
2. Ipa tsanangura mbiri dzinorehwa neizwi rimwe nerimwe pane anotevera.Sarudza mashanu chete.
a) dura
b) Ronda
c) musiki
d) bira
e)gota
f) chera
g) doro
h) mvura.(10)
3.Umba fananidzo kubva pamazwi anotevera.
a) katsi
b) tsuro
c) nyoka
d) hwai
e) gurwe(5)
4. Zadzisa tsumo dzinotevera. Sarudza shanu chete
a) Panorairwa mwana washe ----------
b) Mazvokuda mavanga----------
c) Totenda dzamwa------------
d)Mbeva zhinji hadzina ----------
e) Mudzimu weshiri----------
f) Manhenda waikama mombe ---------
g) Ane Ganda ane nyama ---------(5)
5. Shandisa zvipauro zvinotevera muzvirevo
a) mbiri
b) dete
c) Jena
d) zhinji
e) dzvuku
f) nhanhatu(6)
6. Nyora zvisazitasingwi zvemazita anotevera
a) gudo
b) nyope
c) chanza
d) pasi
e) kudya
g) denga
h) uta
j)mombe.(8)
7. Umba madimikira uchishandisa mazwi Aya
a) meso
b) musana
c) musoro
d) matama
e) dundundu
f) Hana
g) tsoka(7)
8. Umba mazita anotevera uchiratidza chivakashure nedzitsi paizwi Rega Rega
mudzidzisi mapadza motokari
zibenzi choto bako.
mumukanwa muroora. kudanga
9. Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi payo
Vakati vachisvika pamba vachibva kumunda VaChiwara vakawanda mukadzi wavo akagara panze
pamumvuri wemusasa. Mukadzi achiona murume akamutambira Howa hwaaive akatakura achityora
muzura . Murume ndokuti , " Maswera sei Tembo nemusoro". Mudzimai akapindurawo achiti,
"Ndaswera zvangu Simboti inga maita basa mativigira usavi".
Mibvunzo
a) musambo upi wakashandiswa apa(1)
b) Ndezvipi zvinhu zvitatu zviri mundima iyi zvinotaridza musambo uyu(3)
c) Ndehupi humwe ukama hutatu hwevanhu hunowanikwa musambo uyu(3)
d) Musambo uyu unotaridzwa nezvii kana uchiitwa pachitevedzerwa tsika dzechishona dzechinyakare(2)
e) Sokuona kwako Ndezvipi zvinhu zviviri zvave kuparadza musambo uyu(2).