ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL
General Certificate of Education Ordinary Level
SHONA 4007/2
PAPER 2: Zvirungamutauro, Misambo yeMutauro neMaumbirwo eMutauro
SPECIMEN PAPER 2 hours
NOVEMBER 2022 SESSION Maawa maviri
Additional materials:
Answer paper
NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori papepa
roga roga remhinduro rawashandisa.
Pindura mibvunzo minomwe chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji matanhatu nemaviri asina chinhu.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, N2022
Specimen Paper.
©ZIMSEC N2022
©ZIMSEC SPECIMEN PAPER [Enda kuseri
2
CHIKAMU I
CHIKWATA A: ZVIRUNGAMUTAURO
Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
1 Mumagariro avaShona, tsumo dzinonyanyoshandiswa pakuraya. Wakanangana
nepfungwa iyoyi, tsanangura kuti imwe neimwe yedzinotevera inoudzwa munhu
achirayirwa kutii pamusana pemararamiro. Sarudza shanu chete.
(a) Nhambetambe inoregwa ichanaka. (1)
(b) Dzivaguru idivakamwe ukadzokazve unowana ngwena dzasvinura. (1)
(c) Chati homu chareva. (1)
(d) Ziso rimwe harina ukomba. (1)
(e) Ane marengenya haachariki moto. (1)
(f) Chisi hachiyeri musi wacharimwa. (1)
(g) Kudya nyemba nevauya dzinowana wadzinozvimbira. (1)
[5]
2 Sarudza madimikira mashanu, ugopa zvaanoreva uchiburitsa muitiro wevanhu
unoenderana nezvisikwa zviri maari.
(a) Kuva nechioko chegudo. (1)
(b) Kusadonhedza minhenga sechapungu. (1)
(c) Kugarira guyo sembwa. (1)
(d) Kungwarira paduri sehuku. (1)
(e) Kuvhiya chidembo pavanhu. (1)
(f) Kuita misodzi yegarwe. (1)
(g) Kubata mwana wengwe. (1)
[5]
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022
3
3 Ipa nyaudzosingwi dzinoenderana nezviito zvishanu pane zvinotevera sokuti:
Kudonha kwedamba: do-o
(a) Kupedza zvanga zviri mundiro. (1)
(b) Kubata zvakasimba. (1)
(c) Kurumwa nenyuchi. (1)
(d) Kuchena kwevhudzi. (1)
(e) Kumedza zvinonzwika. (1)
(f) Kusimuka uchikurumidza. (1)
(g) Kushamisika. (1)
[5]
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022 Enda kuseri
4
CHIKAMU II: MISAMBO YEMUTAURO
Pindura mibvunzo yose muchikamu chino.
4 (a) Doma misambo yemutauro mina yaunoziva. (4)
(b) Kubva pamisambo yawadoma pamusoro, sarudza mitatu chete ugotsanangura
zvinhu zviviri zvinowanikwa mune mumwe nemumwe. (6)
[10]
5 Kunyange munhu watadzirwa uchinyunyuta pane mutauriro une mutsa pakusvitsa
nyunyuto yako.
Nyatsoverenga tsamba yenyunyuto iri pazasi ugoinyora zvakare uchiita kuti pfungwa
iri muchirevo chega chega ive nemusambo une mutsa.
307 Muuyu Street
Rujeko Township
Madhorobha
22 Kubvumbi 1963
Amai Mandigona
Zana renyu ramakaita ndegerera sesango rerimuka richakupinzai muna taisireva.
Pamba penyu hapana michero here zvamunosiya ziTozivepi renyu richizokushumura
mango dzangu. Vana vangu munoti havadzidi here? Pamusoro pezvo, zana renyu
rakasiya maganga nemashizha zvati mwarara nechivanze. Zvino ini vangu vana
vanhu chaivo vanomirira kuti dziibve vachazodyei iro gudo renyu richikuzhumurira
pasi maganga kudaro.
Amai Nhiya, batisisai yambiro yangu: Mukasauya kuti tizotaurirana muchazviona!
Venyu
Amai Chitatu
[10]
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022
5
CHIKAMU III: MAUMBIRWO EMUTAURO
Pindura mibvunzo mitatu chete muchikamu chino.
6 (a) Mazita anoumbwa sei muChishona? (1)
(b) Ratidza maumbirwo emazita anotevera:
chiringiriro muto panze
mwana Gweru tezvara
nyaudzosingwi zigomana denga
(9)
[10]
7 (a) Ronga zvisazitasingwi zvinotevera muzvikwata zviviri zvakakodzera
ugodoma zita rechikwata chimwe nechimwe:
iwe irwo ini iye iko ipo
icho isu imi ivo
(4)
(b) Tsanangura maumbirwo echikwata chimwe nechimwe chawaumba pamusoro,
uchipa muenzaniso mumwe chete pachikwata choga choga. (4)
(c) Tsanangura basa rimwe chete rezvisazitasingwi. (2)
8 Kubva muzvirevo zvinotevera nyukura zviito ugoratidza zvinotevera:
(i) chiito chashandiswa
(ii) mudzi wechiito chacho
(iii) rebeso yashandiswa pachiito ichocho
(iv) zita rerebeso yacho
(a) Mbuya vakabikira sekuru doro. (2)
(b) Mwana wemanyawi uya anoroveka nyore. (2)
(c) Kasikana kakatambisa pamuchato. (2)
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022 [Enda kuseri
6
(d) Muvaki achapfurunura imba yedu. (2)
(e) Anosekerera chaizvo nerudo. (2)
[10]
9 Nyora zvirevo uchishandisa dzitsi rechiito /-cheka/ riri murebeso dzinotevera:
(i) yekuitira (2)
(ii) yegoneko (2)
(iii) yekuitwa (2)
(iv) yekonzero (2)
(v) yemherevedzo (2)
[10]
10 Tsanangura nzira yaungashandisa kuti izwi rimwe nerimwe riri pazasi rive
chindori. Shandisa izwi rega rega somuenzaniso.
ini ano chiremwaremwa
gudo vasekuru [10]
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022
7
BLANK PAGE
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022
8
BLANK PAGE
4007/2 SPECIMEN PAPER
4007/2 N2022