Choya
Mataridziko
Shoko rokuti choya (pubic hair) rinoreva vhudzi rinokura panzvimbo yakatenderedza sikarudzi yemurume kana yemukadzi. Kuvatauri veChiKaranga, choya chinonzi mavhere. Ukatoti choya kumukaranga pamwe haatozivi kuti uri kuda kuti chii.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti uboya (Wool, fluff, hair on the body, animal hair) kureva vhudzi, mamviri kana mvere. VaRundi vanoti urwoya (a hair) kureva vhudzi rimwe.
- VaKikuyu vanoti uruoya kana njoya pakuwanda (feather, feathers) kureva munhenga. VaTiriki vanoti vwoya (n. body hair, pubic hair, underarm hair, fur).
- Barotse vanoti boya (n. hair growing on the body of mammals, wool, down) vachireva makushe. Barotse vanoti maboya (n. pubic hair) vachireva choya.
- MaZulu vanoti isibumbu (n. 1. Pubes, pubic region; 2. Female mons Veneris). VaKwere vanoti luzoya (n. fur) kureva makushe.
- VaLenje vanoti woya (n. wool, fur, hair of animals).