Ruwoko
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuRuoko)
Ruwoko (arm in English) ndiyo nhengo inobuda kubva pamutumbi wemunhu yatinotakura nayo zvinhu.
- Nyara (hands) apa kureva mawoko kururimi rweChiNdau. Paumwe nepakuwanda tinoti nyara.
- Ruchechete (collar bone).
- Kumbandidza (Grip firmly) Akati musika webadza mbandi nembato: he gripped the spike-head of the hoe with the tongs.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chinopa mawoko; muromo haupi.
- Ane ruwoko rwekurima mbambaira.
- Ane ruwoko - kureva kuti anoba.
- Ane ruwoko rwegudo - kureva kuti anonyanya kurova vana.
- Vairima nechibhakera: they used to turn the soil by hand (i.e using hoe). Shoko iri ringagona kushandiswa kuturikira inonzi manual or manually kuEnglish. Vamwe vatauri vanoti huri kana tsiva kureva chibhakera.
- Miruka, umirudze murumbwana, umutengure munyara dzako; ngokuti ndinozomuita dzinza guru.: Get up, lift the boy up, and hold him tightly in your hand, because I am going to make him a great nation (Genesis 21:18 Bhaibheri reChiNdau).
Kupeta mawoko
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kugumbatira kana kugumbata (clasp hands across chest) zvinoreva kupeta mawoko akabata mapendekete - rudyi ruchibata kuruboshwe, ruboshwe ruchinobata bendekete rorudyi.????
- Kupfumbatira zvinoreva kubata chinhu wakavharira muchanza.
- Kufunyisa zvinoreva kupeta mawoko akabata pachipfuva.
- Kufungatira (to embrace).
- Kubungatira kana kufungatira zvinoreva kupeta mawoko akabatana pachawo - kana kunge wakabata chinhu iwo mawowko akarongeka nenzira iyoyi.
- Kutambanura (hold out hand) zvichireva kutambanudza ruwoko ruchiunzwa pamberi, pemunhu.
- Hwenze (back between shoulders) akatakura mwana pahwenze pake.
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kikuyu inoti gwoko, kuoko kana maoko (n. hand) kureva ruwoko.
- VaLenje neVaGiryama mukono (arm, forearm, hand) vachireva ruwoko. Mbukushu inoti nyara kureva ruwoko.
- VaChewa vanoti mkono kana nkono (an arm, forearm) kureva ruwoko.
- Swahili neLuganda vanoti mkono (hand or arm; sleeve) kureva ruwoko.
- VaMaconde vanoti nkono kana makono (hand, arm) kureva ruwoko.
- Herero vanoti oku-oko kana e-kono (n. arm) kureva ruwoko. MaZulu vanoti umkhono (Arm, forearm) kureva ruwoko.
- Zigula vanoti lugasa kana magasa (n. hands) kureva mawoko. Mamwe mazwi: kutowa magasa vachireva kuwombera mawoko.
- Uyo Ibibio inoti ubok (n. arm and/or hand; handle; power, strength, ability) kureva ruwoko.